Acts 10:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati: Kornerio, mukuru wezana, murume wakarurama, unotya Mŋari, unorumbidzwa norudzi rwose rwaʋaJuda, wakarairwa naMŋari nomutumŋa mutȿene, kuti akuɗanei kuzoʋuya mumba make, kuti anzwe mashoko kwamuri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume vaya vakamupindura vakati, “Tabva kuna Koniriasi mukuru wezana. Munhu akarurama uye anotya Mwari, anokudzwa navanhu vose vechiJudha. Mutumwa mutsvene akamuudza kuti akudanei kuti muuye kumba kwake kuti azonzwa zvamuchareva kwaari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vakati, “Koneriasi, mutariri wezana ramasoja munhu ari pachokwadi, munhu anotya Mwari uye anorumbidzwa norudzi rwose rwechiJudha akatungamirirwa nomutumwa anoera kuzokudaidzai kuti muuye kumba kwake kuti anzwe zvamungataure.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati, “Konerio, mukuru wezana, murume akarurama, anotya Mwari, anorumbidzwa norudzi rwose rwavaJudha, akarayirwa naMwari nomutumwa mutsvene, kuti akudanei kuzouya kumba kwake, kuti anzwe mashoko kwamuri.”
Shona 2009?
Vakati: Kornerio, mukuru wezana, murume wakarurama, unotya Mwari, unorumbidzwa norudzi rwose rwavaJudha, wakarairwa naMwari nomutumwa mutsvene, kuti anzwe mashoko kwamuri.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati, “Koniriasi, mukuru wezana, murume akarurama, anotya Mwari, anorumbidzwa norudzi rwose rwavaJudha, akarayirwa naMwari nomutumwa mutsvene, kuti akudanei kuzouya kumba kwake, kuti anzwe mashoko kwamuri.”