Acts 10:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akaʋaɗana mumba, akati ʋagare’po. Fume maŋgwana akasimuka, akaenda naʋo; nedzimŋe hama dzapaJopa dzikamuperekedza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Petro akakoka varume ava kuti vapinde mumba vave vaeni vake. Fume mangwana Petro akasimuka pamwe chete navo, uye dzimwe hama dzokuJopa dzakaendawo naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo akavapa pokurara. Ramangwana acho, akamuka akaenda navo. Vamwe vehama vokuJopa vakaendawo naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akavadana mumba, akati vagarepo. Fume mangwana akasimuka akaenda navo; nedzimwe hama dzapaJopa dzikamuperekedza.
Shona 2009?
Ipapo akavadana mumba, akati vagarepo. Fume mangwana akasimuka, akaenda navo; nedzimwe hama dzapaJopa dzikamuperekedza.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akavadana mumba, akati vagarepo. Fume mangwana akasimuka akaenda navo; nedzimwe hama dzapaJopa dzikamuperekedza.