Acts 10:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati kwaʋari: Imi munoziʋa kuti haɀina‐kufanira kuti muJuda afambidzane nomunhu worumŋe rudzi, kana kuʋuya kwaari. Asi Mŋari wakandiratidza, kuti ndirege kuti munhu haana‐kunaka, kana kuti unetȿina;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati kwavari, “Imi munozviziva kuti hazvibvumirwi nomurayiro wedu kuti muJudha adyidzane nomuhedheni kana kumushanyira. Asi Mwari andiratidza kuti handifaniri kuti nditi munhu haana kunaka kana kuti ane tsvina.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akati kwavari, “Imi munozviziva pachenyu kuti zvinorambidzwa nomutemo zvakadii kuti muJudha afambidzane kana kushanyira ani zvake worumwe rudzi asi Mwari wandiratidza kuti handifaniri kuti ani zvake haakodzeri kana kuti akan'ora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati kwavari, “Imi munoziva kuti hazvina kufanira kuti muJudha afambidzane nomunhu worumwe rudzi, kana kuuya kwaari. Asi Mwari akandiratidza, kuti ndirege kuti munhu haana kunaka, kana kuti ane tsvina;
Shona 2009?
akati kwavari: imwi munoziva kuti hazvina kufanira kuti muJudha afambidzane nomunhu worumwe rudzi, kana kuvuya kwaari: Asi Mwari wakandiratidza, kuti ndirege kuti munhu haana kunaka, kana kuti unetsvina;
Shona SUB 2002 Bible
akati kwavari, “Imi munoziva kuti hazvina kufanira kuti muJudha afambidzane nomunhu worumwe rudzi, kana kuuya kwaari. Asi Mwari akandiratidza, kuti ndirege kuti munhu haana kunaka, kana kuti ane tsvina;