Acts 10:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kornerio akati: Aʋa mazuʋa manna kuȿikira ŋguʋa ino, ini ndakaŋga ndicinyeŋgetera mumba maŋgu neŋguʋa yepfumbamŋe; ipapo ndikaʋona murume amire pamberi paŋgu, aneŋguʋo dzinopenya,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Koniriasi akapindura akati, “Mazuva mana apfuura ndakanga ndiri mumba mangu ndichinyengetera senguva ino, nenguva yechitatu yamasikati. Pakarepo munhu akanga akapfeka nguo dzinopenya akamira pamberi pangu
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Koneriasi akati, “Mazuva mana apfuura panguva yakaita saiyo ino ndakanga ndichinamata paawa yechitatu masikati mumba mangu. Ndiye onei munhu amira pamberi pangu akapfeka zvinhu zvichena!
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Konerio akati, “Ava mazuva mana kusvikira nguva ino, ini ndakanga ndichinyengetera mumba mangu nenguva yepfumbamwe; ipapo ndikaona murume amire pamberi pangu, ane nguo dzinopenya,
Shona 2009?
Kornerio akati: Ava mazuva mana kusvikira nguva ino, ini ndakanga ndichinyengetera mumba mangu nenguva yepfumbamwe, ipapo ndikavona murume amire pamberi pangu, anenguvo dzinopenya.
Shona SUB 2002 Bible
Koniriasi akati, “Ava mazuva mana kusvikira nguva ino, ini ndakanga ndichinyengetera mumba mangu nenguva yepfumbamwe; ipapo ndikaona murume amire pamberi pangu, ane nguo dzinopenya,