Acts 10:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ndakakurumidza kutuma kwamuri; ɀino maita ɀakanaka, ɀamaʋuya. Ɀino isu tose tiri pano pamberi paMŋari, kuti tinzwe ɀose ɀamarairwa naShe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka ndakabva ndatumira vanhu kwamuri pakarepo, uye maita zvakanaka zvamauya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari kuti tinzwe kwamuri zvose zvamarayirwa naShe kuti muzotitaurira.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo ndakabva ndatumira nhume kwamuri pakarepo. Imiwo maita zvakanaka kuti mauya. Naizvozvo tiri pano tose pamberi paMwari kuti tinzwe zvamaudzwa naMwari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo ndakakurumidza kutuma kwamuri; zvino maita zvakanaka, zvamauya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari kuti tinzwe zvose zvamarayirwa naIshe.”
Shona 2009?
Naizvozvo ndakakurumidza kutuma kwamuri; zvino maita zvakanaka, zvamavuya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari, kuti tinzwe zvamarairwa naShe.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo ndakakurumidza kutuma kwamuri; zvino maita zvakanaka, zvamauya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari kuti tinzwe zvose zvamarayirwa naIshe.”