Acts 10:38 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
raJesu weNazareta, kuti Mŋari wakamuzodza noMŋeya Mutȿene nesimba; iye waipote‐nyika, aciita ɀakanaka, aciporesa ʋose ʋakamanikidzwa naDiaborosi; nokuti Mŋari waiʋa naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
zvokuti Mwari akazodza sei Jesu Kristu weNazareta noMweya Mutsvene nesimba, uye kuti akapota sei nenyika achiita zvakanaka achiporesa vose vakanga vari pasi pesimba radhiabhori, nokuti Mwari aiva naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akazodza Jesu weNazareti naMweya Mutsvene uye akamupa simba. Munozivawo kuti akafamba achiita zvakanaka achiporesa vose vainge vari pasi pesimba raDhiyabhori nokuti Mwari aiva naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
raJesu weNazareta, kuti Mwari akamuzodza naMweya Mutsvene nesimba; iye aipota nyika, achiita zvakanaka, achiporesa vose vakamanikidzwa naDhiabhori; nokuti Mwari aiva naye.
Shona 2009?
raJesu weNazareta, kuti Mwari wakamuzodza noMweya Mutsvene nesimba; iye waipotenyika, achiita zvakanaka, achiporesa vose vakamanikidzwa naDhiabhorosi; nokuti Mwari waiva naye.
Shona SUB 2002 Bible
raJesu weNazareta, kuti Mwari akamuzodza naMweya Mutsvene nesimba; iye aipota nyika, achiita zvakanaka, achiporesa vose vakamanikidzwa naDhiabhori; nokuti Mwari aiva naye.