Acts 10:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akamutarisisa, akatya, akati: Cinyiko Ishe? Akati kwaari: minyeŋgetero yako neɀipo ɀako ɀakwira pamberi paMŋari, ɀaraŋgarirwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Koniriasi akatarisa kwaari achitya, akati, “Chinyiko, Ishe?” Mutumwa akapindura akati, “Minyengetero yako nezvipo zvako kuvarombo zvakwira kudenga sechipiriso chechirangaridzo pamberi paMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akamutarisisa achitya akati, “Chiiko nhai Tenzi?” Mutumwa ndokuti, “Minamato yako nezvipo zvako kuvanhu zvakwira kudenga sechinhu chinoyeukwa pamberi paMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akamutarisisa, akatya, akati, “Chinyiko Ishe?” Akati kwaari, “Minyengetero yako nezvipo zvako zvakwira pamberi paMwari, zvarangarirwa.
Shona 2009?
Iye akamutarisisa, akatya, akati; Chinyiko Ishe? Akati kwaari: Minyengetero yako nezvipo zvako zvakwira pamberi paMwari, zvarangarirwa.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akamutarisisa, akatya, akati, “Chiiko Ishe?” Akati kwaari, “Minyengetero yako nezvipo zvako zvakwira pamberi paMwari, zvarangarirwa.