Acts 10:42 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akatiraira kuti tiparidzire ʋanhu, nokupupura kwaɀo kuti ndiye wakagadzwa naMŋari, kuti aʋe Mutoŋgi waʋapenyu naʋakafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatirayira kuti tiparidze kuvanhu uye tipupure kuti ndiye akagadzwa naMwari kuti ave mutongi wavapenyu navakafa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
uye akatiti tinofanira kundoparidza vanhu nokupupura kuti ndiye akagadzwa naMwari kuva mutongi wavapenyu navakafa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatirayira kuti tiparidzire vanhu, nokupupura kwazvo kuti ndiye akagadzwa naMwari, kuti ave Mutongi wavapenyu navakafa.
Shona 2009?
Akatiraira kuti tiparidzire vanhu, nokupupura kwazvo kuti ndiye wakagadzwa naMwari kuti ave Mutongi wavapenyu navakafa.
Shona SUB 2002 Bible
Akatirayira kuti tiparidzire vanhu, nokupupura kwazvo kuti ndiye akagadzwa naMwari, kuti ave Mutongi wavapenyu navakafa.