Acts 10:45 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋatendi ʋokudziŋgisa, ʋakaŋga ʋaʋuya naPetro, ʋakashamiswa, nokuti cipo coMŋeya Mutȿene cakaŋga caɗururwa pamsoro paʋahedeni ʋo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vatendi vakadzingiswa vakanga vauya naPetro vakakatyamara nokuti chipo choMweya Mutsvene chakanga chadururirwa kunyange napavahedheniwo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vatendi pakati pavakadzingiswa vakanga vauya naPita vakashamiswa, nokuti chipo chaMweya Mutsvene chakanga chadururirwa kunyange pane vechirudzi,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vatendi vokudzingisa, vakanga vauya naPetirosi, vakashamiswa, kuti chipo chaMweya Mutsvene chakanga chadururwa pamusoro pavahedheniwo;
Shona 2009?
Zvino vatendivokudzingisa, vakanga vavuya naPeturo, vakashamiswa, nokuti chipo choMweya Mutsvene chakanga chadururwa pamusoro pavahedhenivo;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vatendi vokudzingisa, vakanga vauya naPetirosi, vakashamiswa, kuti chipo chaMweya Mutsvene chakanga chadururwa pamusoro pavahedheniwo;