Acts 10:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mutumŋa, wakataura naye, wakati abva, akaɗana ʋaranda ʋake ʋaʋiri nomurwi wakarurama pakati paʋaisimushumira,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutumwa waakanga achitaura naye akati aenda, Koniriasi akadana varanda vake vaviri nomumwe murwi akatendeka uyo aiva mumwe wavachengeti vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutumwa uya akataura kwaari paakaenda, akadaidza varanda vake vaviri nomusoja aida zvokunamata pakati pavanhu vaimushandira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mutumwa, akataura naye, akati abva, akadana varanda vake vaviri nomurwi wakarurama pakati pavaisimushumira,
Shona 2009?
Zvino mutumwa, wakataura naye, wakati abva, akadana varanda vake vaviri nomurwi wakarurama pakati pavaisimushumira,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mutumwa, akataura naye, akati abva, akadana varanda vake vaviri nomurwi wakarurama pakati pavaisimushumira,