Acts 11:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋanzwa iɀoɀo, ʋakanyarara, ʋakakudza Mŋari, ʋaciti: Ɀirokwaɀo, Mŋari wakapa ʋahedeni ʋo kutendeʋuka kwoʋupenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vanzwa izvozvo, vakashayiwa zvimwe zvokureva uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Saka zvino Mwari akapawo vahedheni kutendeuka kunotungamirira kuupenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakanzwa izvi vakapwiswa vakarumbidza Mwari vachiti, “Saka Mwari anoitawo kuti vechirudzi vatendeuke vawane upenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zino vakati vanzwa izvozvo, vakanyarara, vakakudza Mwari, vachiti, “Zvirokwazvo, Mwari akapa vahedheniwo kutendeuka kwoupenyu.”
Shona 2009?
Zvino vakati vanzwa izvozvo, vakanyarara, vakakudza Mwari vachiti: Zvirokwazvo, Mwari wakapa vahedhenivo kutendevuka kovupenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Zino vakati vanzwa izvozvo, vakanyarara, vakakudza Mwari, vachiti, “Zvirokwazvo, Mwari akapa vahedheniwo kutendeuka kwoupenyu.”