Acts 11:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye wakati aȿika, akaʋona nyasha dzaMŋari, akafara; akaraira ʋose kuti ʋanamatire Ishe nomŋoyo wakasimba;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati asvika, akaona umboo hwenyasha dzaMwari, uye akafara akavakurudzira vose kuti varambe vakatendeka muna She nemwoyo yavo yose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakasvika akaona nyasha dzaMwari akafara. Akavakurudzira vose kuti varambe vakatendeka vakati kwati kwati nomwoyo wose kuna Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati asvika, akaona nyasha dzaMwari, akafara; akarayira vose kuti vanamatire Ishe nomwoyo wakasimba;
Shona 2009?
Iye wakati asvika, avona nyasha dzaMwari, akafara; akaraira vose kuti vanamatire Ishe nomoyo wakasimba;
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati asvika, akaona nyasha dzaMwari, akafara; akarayira vose kuti vanamatire Ishe nomwoyo wakasimba;