Acts 11:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati amuwana, akaʋuya naye Antiokia. Ipapo ʋakaʋuŋgana nekereke gore rose, ʋakadzidzisa ʋanhu ʋazhinji‐zhinji; paAntiokia ʋadzidzi ʋakataŋga kunzi Ʋakristu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye akati amuwana, akauya naye kuAndioki. Saka gore rose rakapera Bhanabhasi naSauro vachisangana nekereke uye vakadzidzisa vanhu vazhinji kwazvo. Vadzidzi vakanzi vaKristu kwokutanga paAndioki.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakamuwana akauya naye kuAndiyoku. Kwegore rose vaisangana nesangano vachidzidzisa boka guru ravanhu. MuAndiyoku ndimo makatangira vadzidzi kuidaidzwa kunzi vakristu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati amuwana, akauya naye Andioki. Ipapo vakaungana nekereke gore rose, vakadzidzisa vanhu vazhinji-zhinji; pa Andioki vadzidzi vakatanga kunzi Vakristu.
Shona 2009?
Zvino wakati amuwana, akavuya naye Antiokia. Ipapo vakavungana nekereke gore rose, vakadzidzisa vanhu vazhinji-zhinji; paAndiokia vadzidzi vakatanga kunzi Vakristu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati amuwana, akauya naye Andiyoku. Ipapo vakaungana nechechi gore rose, vakadzidzisa vanhu vazhinji zhinji; paAndiyoku vadzidzi vakatanga kunzi VaKristu.