Acts 11:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋadzidzi ʋakatenderana, kuti mumŋe nomumŋe paaigona napo atume ɀiŋgaɓatsira hama dzigere Judea.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vadzidzi vakazvipira, mumwe nomumwe napaaigona napo, kuti ape rubatsiro kuhama dzaigara muJudhea.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vadzidzi vakatenderana kutumira rubatsiro kune vehama vaigara kuJudhea mumwe nomumwe achipa sokugona kwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vadzidzi vakatenderana, kuti mumwe nomumwe paaigona napo atume zvingabatsira hama dzigere Judhea.
Shona 2009?
Ipapo vadzidzi vakatenderana, kuti mumwe nomumwe paaigona napo atume zvingabatsira hama dzigere Judhiya.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vadzidzi vakatenderana, kuti mumwe nomumwe paaigona napo atume zvingabatsira hama dzigere Judhiya.