Acts 11:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakaŋga ndiri muguta reJopa, ndicinyeŋgetera; ndikaɓatwa mŋeya, ndikaʋona ciratidzo; cimŋe cinhu cakaɓuruka, cineŋge muceka mukuru unoɓuruswa kuɗeŋga wakasuŋgwa miromo minna, cikaȿika kwandiri;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndakanga ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, ndikabatwa nomweya ndikaona chiratidzo. Ndakaona chimwe chinhu chakanga chakaita sejira guru, chichiburutswa kubva kudenga namakona acho mana, uye chakaburuka chikasvika pandaiva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndaiva muguta reJopa ndichinamata; ndiri mumweya ndakaona, chiratidzo chechimwe chinhu chaiburuka chaiita sejira guru richidzikiswa richibva kudenga richiita serakabatwa namakona aro mana. Rakaburuka richiuya kwandiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndakanga ndiri muguta reJopa, ndichinyengetera; ndikabatwa mweya, ndikaona chiratidzo; chimwe chinhu chakaburuka, chinenge mucheka mukuru unoburuswa kudenga wakasungwa miromo mina, chikasvika pandiri;
Shona 2009?
Ndakanga ndiri muguta reJopa, ndichinyengetera; ndikabatwa nomweya, ndikavona chiratidzo; chimwe chinhu chakaburuka, chinenge mucheka mukuru unoburuswa kudenga wakasungwa miromo mina, chikasvika kwandiri;
Shona SUB 2002 Bible
“Ndakanga ndiri muguta reJopa, ndichinyengetera; ndikabatwa mweya, ndikaona chiratidzo; chimwe chinhu chakaburuka, chinenge mucheka mukuru unoburuswa kudenga wakasungwa miromo mina, chikasvika pandiri;