Acts 12:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋapfuʋura murindi wokutaŋga nowecipiri, ʋakaȿika pasuʋo ramatare, paʋaipinda napo paguta; rikaŋgoʋazarukira roga; ʋakaɓuɗa, ʋakapfuʋura neimŋe nzira, mutumŋa ndokubva kwaari pakarepo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakapfuura napavarindi vokutanga nevechipiri ndokusvika pasuo resimbi rakanga rakatarira kuguta. Rakangovazarukira roga, vakapinda napariri. Vakati vafamba kusvika kumagumo kweimwe nzira imwe chete, pakarepo mutumwa akamusiya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakapfuura varindi vokutanga nevechipiri vakasvika kusuo guru resimbi rokupinda naro muguta. Rakangovazarukira roga. Ivo ndokubuda ndokutevedza mumwe mugwagwa, mutumwa akayerekana asisipo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vapfuura murindi wokutanga nowechipiri, vakasvika pasuo ramatare, pavaipinda napo paguta; rikangovazarukira roga; vakabuda, vakapfuura neimwe nzira, mutumwa ndokubva kwaari pakarepo.
Shona 2009?
Zvino vakati vapfuvura murindi wokutanga nowechipiri, vakasvika pasuvo ramatare, pavaipinda napo paguta; rikangovazarukira roga; vakabuda, vakapfuvura neimwe nzira, mutumwa ndokubva kwaari pakarepo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vapfuura murindi wokutanga nowechipiri, vakasvika pasuwo ramatare, pavaipinda napo paguta; rikangovazarukira roga; vakabuda, vakapfuura neimwe nzira, mutumwa ndokubva kwaari pakarepo.