Acts 12:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Petro wakati apeŋgenuka, akati: Ɀino ndinoziʋa ɀirokwaɀo kuti Ishe wakatuma mutumŋa wake, akandirwira paruʋoko rwaHerode napaɀose ɀakaŋga ɀicifuŋgwa naʋanhu ʋaʋaJuda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Petro akapengenuka akati, “Zvino ndava kuziva ndisingatongokahadziki kuti Ishe atuma mutumwa wake uye andinunura pamaoko aHerodhi napazvinhu zvose zvanga zvakatarisirwa navanhu vechiJudha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pita akapengenuka akati zvino ndava nechokwadi kuti Tenzi atuma mutumwa wake akandinunura mumaoko maHerodhi uye kune zvose zvaitarisirwa navaJudha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Petirosi akati apengenuka, akati, “Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe akatuma mutumwa wake, akandirwira paruoko rwaHerodhi napazvose zvakanga zvichifungwa navanhu vavaJudha.”
Shona 2009?
Peturo wakati apengenuka, akati: Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe wakatuma mutumwa wake, akandirwira paruvoko rwaHerodhe napazvose zvakanga zvichifungwa navanhu vavaJudha.
Shona SUB 2002 Bible
Petirosi akati apengenuka, akati, “Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe akatuma mutumwa wake, akandirwira paruoko rwaHerodhi napazvose zvakanga zvichifungwa navanhu vavaJudha.”