Acts 12:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati acinzwa inzwi raPetro, akasazarura suʋo nomufaro, asi wakamhanyira mukati akaʋaʋudza kuti Petro umire pasuʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati anzwa kuti inzwi raPetro, akafara zvikuru akadzokera achimhanya asati atongozarura musuo akavaudza akati, “Petro ari pamukova!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakaziva kuti izwi iri nderaPita pamusana pokufara haana kuzarura suo guru asi akamhanyira makare akataura kuti, “Pita akamira pasuo guru.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati achinzwa izwi raPetirosi, akasazarura suo nomufaro, asi akamhanhyira mukati akavaudza kuti Petirosi amire pasuo.
Shona 2009?
Iye akati achinzwa inzwi raPeturo, akasazarura suvo nomufaro, asi wakamhanyira mukati akavavudza kuti Peturo umire pasuvo.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati achinzwa izwi raPetirosi, akasazarura suwo nomufaro, asi akamhanyira mukati akavaudza kuti Petirosi amire pasuwo.