Acts 12:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iye akaʋaninira noruʋoko kuti ʋanyarare, akaʋarondedzera mutoʋo waakaɓuɗiswa nawo naShe patoroŋgo. Akati: Ʋudzai Jakobo nehama ɀinhu iɀoɀi; ndokubva akaenda kumŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Petro akaninira maoko ake kwavari kuti vanyarare ndokurondedzera kuti Ishe akanga amubudisa sei mutorongo. Akati, “Muudze Jakobho nehama pamusoro paizvozvi.” Ipapo akabva akaenda kune imwe nzvimbo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Pita akavaninira kuti vanyarare. Akavarondedzera kuti Tenzi akamuburitsa sei mujeri. Akatiwo, “Taurirai Jemusi nevehama.” Ndokubva abva akaenda kune imwe nzvimbo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino iye akavaninira noruoko kuti vanyarare, akavarondedzera mutoo waakabudiswa nawo naIshe patorongo. Akati, “Udzai Jakobho nehama zvinhu izvozvi; ndokubva akaenda kumwe.”
Shona 2009?
Zvino iye akavaninira noruvoko kuti vanyarare, akavarondedzera mutovo waakabudiswa nawo naShe patirongo. Akati: Vudzai Jakobho nehama zvinhu izvozvi; ndokubva akaenda kumwe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino iye akavaninira noruoko kuti vanyarare, akavarondedzera mutoo waakabudiswa nawo naIshe patorongo. Akati, “Udzai Jakobho nehama zvinhu izvozvi; ndokubva akaenda kumwe.”