Acts 12:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Herode wakati amutȿaka, akamushaiwa, ndokubvunzisisa ʋarindi, akaraira kuti ʋandoʋurawa. Ɀino akaɓuruka Judea, akaenda Kesaria, akandogara’ ko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure mokunge Herodhi amutsvakisisa kwazvo uye asina kumuwana, akanyatsobvunzisisa varindi ndokubva arayira kuti vaurayiwe. Ipapo Herodhi akabva kuJudhea akaenda kuKesaria akandogarako kwechinguva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Herodhi paakamutsvaka akamushaya. Akabvunzisisa varindi akati, “Vanofanira kuurawa.” Herodhi akadzika kuSezaria achibva Judhea akagarako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Herodhi akati amutsvaka, akamushayiwa, ndokubvunzisisa varindi, akarayira kuti vandourawa. Zvino akaburuka Judhea, akaenda Kesaria, akandogarako.
Shona 2009?
Herodhe wakati amutsvaka, akamushaiwa, ndokubvunzisisa varindi, akaraira kuti vavurawe. Zvino akaburuka Judhiya, akaenda Kesaria, akandogara'ko.
Shona SUB 2002 Bible
Herodhi akati amutsvaka, akamushayiwa, ndokubvunzisisa varindi, akarayira kuti vanourayiwa. Zvino akaburuka Judhiya, akaenda Sizaria, akandogarako.