Acts 12:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akatsamŋira ɀikuru ʋanhu ʋeTire neSidoni; iʋo ndokuʋuya kwaari ʋose pamŋe cete, ʋakaita ʋushamŋari naBrasto, mutariri weimba yamambo, ʋakakumbira rugare, nokuti nyika yaʋo yaipiwa ɀokudya ne nyika yamambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Aisipopotedzana navanhu veTire neSidhoni, vakanga vabatana pamwe chete vakatsvaka kuti vataurirane naye. Vakati vawana rutsigiro rwaBhurasto, muranda akatendeka wamambo, vakakumbira rugare, nokuti vaipona nenyika yamambo, nokuti ndikwo kwavaiwana zvokudya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Herodhi akashatirirwa vanhu veTire neSidhoni zvikuru. Nezvo vakaenda kwaari vari chikwata. Ipapo vakanga vashamwaridzana naBhurasitosi mukuru mukuru wapamba pamambo. Saizvozvo vakakumbira kuti pave norugare nokuti nyika yavo yaitoraramiswa nezvokudya chinobva kunyika yamambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akatsamwira zvikuru vanhu veTire neSidhoni; ivo ndokuuya kwaari vose pamwechete, vakaita ushamwari naBhurasito, mutariri weimba yamambo, vakakaumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipiwa zvokudya nenyika yamambo.
Shona 2009?
Zvino akatsamwira zvikuru vanhu veTire neSidhoni; ivo ndokuvuya kwaari vose pamwe chete, vakaita vushamwari naBrasto, mutariri weimba yamambo, vakakumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipiwa zvokudya nenyika yamambo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akatsamwira zvikuru vanhu veTaya neSidhoni; ivo ndokuuya kwaari vose pamwechete, vakaita ushamwari naBhurasito, mutariri weimba yamambo, vakakumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipiwa zvokudya nenyika yamambo.