Acts 12:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Herode wakati oɗa kumuɓuɗisa, ʋusiku ibgobgo Petro wakaŋga aʋete pakati paʋarwi ʋaʋiri, akasuŋgwa namaketani maʋiri; naʋarindi ʋakaŋga ʋacirinda toroŋgo pamberi pomukoʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Usiku hwaaifanira kumiswa pamberi pedare naHerodhi husati hwasvika, Petro akanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa nengetani mbiri, uye varindi vakanga vakamira vakarinda vari pamukova.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Usiku ihwohwo hwokuti mangwana acho Herodhi paaizoda kumuburitsa, Pita akanga avete pakati pamasoja maviri akasungwa nengetani mbiri uye varindi vapajeri vakanga vachichengetedza jeri vari pamberi pemusuo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Herodhi akati oda kumubudisa, usiku ihwohwo Petirosi akanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa namangetani maviri; navarindi vakanga vachirinda torongo pamberi pomusuo.
Shona 2009?
Zvino Herodhe wakati oda kumubudisa, vusiku ibwobwo Peturo wakanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa namaketani maviri; navarindi vakanga vachirinda tirongo pamberi pomukova.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Herodhi akati oda kumubudisa, usiku ihwohwo Petirosi akanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa namangetani maviri; navarindi vakanga vachirinda torongo pamberi pomusuwo.