Acts 13:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino pakereke yapaAntiokia paiʋa naʋaprofita naʋadzidzisi, ʋaiti: Barnabasi naSimeoni, wainzi Nigeri, naRukio weKurini, naManaeni wakaŋga arerwa pamŋe cete naHerode muɓati, naSauro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukereke yapaAndioki maiva navaprofita navadzidzisi vaiti: Bhanabhasi, Simeoni ainzi Nigeri, Rusiasi wokuSairini, Manaeni (akanga arerwa naHerodhi mubati) naSauro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Musangano rokuAndiyoku maiva navaporofita navadzidzisi vaiti Bhanabhasi naSimeoni ainzi Mutema kouya Rusiasi wokuSairini naManaeni (akarerwa naHerodhi mutetiraki) naSauro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino pakereke yapaAndioki paiva navaporofita navadzidzisi, vaiti: Bhanabhasi naSimeoni, ainzi Nigeri, naRukio weKurene, naManaeni akanga arerwa pamwechete naHerodhi mubati, naSauro.
Shona 2009?
Zvino pakereke yapaAntiokia paiva navaporofita navadzidzisi, vaiti: Bharnabhasi naSimiyoni, wainzi Nigeri, naRukio weKurini, naManaeni wakanga arerwa pamwe chete naHerodhe mubati, naSauro.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino pachechi yapaAndiyoku paiva navaporofita navadzidzisi, vaiti: Bhanabhasi naSimeoni, ainzi Nigeri, naRukio weKurene, naManaeni akanga arerwa pamwechete naHerodhi mubati, naSauro.