Acts 13:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino, tarira, ruʋoko rwaShe ruri pamsoro pako; ucaʋa ɓofu, ucaita ŋguʋa usiŋgaʋoni zuʋa. Pakarepo mhute nerima ɀikamuwira; akapota‐pota, acitȿaka ʋaŋgamusesedza noruʋoko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino ruoko rwaShe rwava pamusoro pako. Uchava bofu, uye uchatadza kuona chiedza chezuva kwechinguva.” Pakarepo mhute nerima zvakauya pamusoro pake, akadzivaira pose pose achitsvaka mumwe munhu angamutungamirira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinzwa, simba roruoko rwaMwari richakurova. Uchava bofu usingagoni kuona usingaoni zuva kwenguva yakati kuti.” Pakarepo mhute nerima zvakabva zvamukwidibira. Akatsvanzvadzira achitsvaka wokumutungamirira akamubata ruoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino, tarira, ruoko rwaIshe ruri pamusoro pako; uchava bofu, uchaita nguva usingaoni zuva.” Pakarepo mhute nerima zvikamuwira; akapota-pota, achitsvaka vangamusesedza noruoko.
Shona 2009?
Zvino, tarira, ruvoko rwaShe ruri pamusoro pako; uchava bofu, uchaita nguva usingavoni zuva. Pakarepo mhute nerima zvikamuwira; akapota-pota, achitsvaka vangamusesedza noruvoko.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino, tarira, ruoko rwaIshe ruri pamusoro pako; uchava bofu, uchaita nguva usingaoni zuva.” Pakarepo mhute nerima zvikamuwira; akapota–pota, achitsvaka vangamusesedza noruoko.