Acts 13:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋari waʋanhu aʋa ʋaIsraeri wakasanaŋgura madziɓaɓa eɗu, akakudza ʋanhu aʋa, ʋaciri ʋatorwa munyika yeEgipita; akaʋaɓuɗisa mairi noruʋoko runesimba,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwari wavanhu veIsraeri akasarudza madzibaba edu; akaita kuti vanhu vabudirire panguva yavaigara muIjipiti, akavabudisa munyika iyo nesimba guru,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari wavanhu ava vechiIsiraeri akasarudza madzibaba edu akaita kuti vanhu ivava vave rudzi rukuru panguva yavaigara munyika yeIjipiti akavaburitsa nesimba roruoko rwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwari wavanhu ava vaIsiraeri akatsanangura madzibaba edu, akaudza vanhu ava, vachiti vatorwa munyika yeIjipiti; akavabudisa mairi noruoko rune simba,
Shona 2009?
Mwari wavanhu ava vaIsraeri wakasanangura madzibaba edu, akakudza vanhu ava, vachiri vatorwa munyika yeIjipiti; akavabudisa mairi noruvoko runesimba,
Shona SUB 2002 Bible
Mwari wavanhu ava VaIsiraeri akatsanangura madzibaba edu, akaudza vanhu ava, vachiti vatorwa munyika yeIjipiti; akavabudisa mairi noruoko rune simba,