Acts 13:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akamubvisa akamutsa Davidi, kuti aʋe mambo waʋo, waakapupura, aciti: Ndawana Davidi, mŋanakomana waJese murume womŋoyo waŋgu, ucaita kuɗa kwaŋgu kwose
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwokunge abvisa Sauro, akagadza Dhavhidhi kuti ave mambo wavo. Iye akapupura pamusoro pake achiti, ‘Ndawana Dhavhidhi mwanakomana waJese murume wapamwoyo pangu; iye achaita zvinhu zvose zvandinoda kuti aite.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakamubvisa akamutsa Dhavhidhi kuti ave mambo wavo waakataura pachena achiti, ‘Ndakawana muna Dhavhidhi mwana waJese munhu wapamwoyo pangu achaita zvose zvandinoda.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Akamubvisa akamutsa Dhavhidhi, kuti ave mambo wavo, waakapupura, achiti, ‘Ndawana Dhavhidhi, mwanakomana waJese murume womwoyo wangu, achaita kuda kwangu kwose.’
Shona 2009?
Akamubvisa akamutsa Dhavhidhi, kuti ave mambo wavo, waakapupura achiti: Ndawana Dhavhidhi, mwanakomana waJese murume womoyo wangu, uchaita kuda kwangu kose.
Shona SUB 2002 Bible
“Akamubvisa akamutsa Dhavhidhi, kuti ave mambo wavo, waakapupura, achiti, ‘Ndawana Dhavhidhi, mwanakomana waJese murume womwoyo wangu, achaita kuda kwangu kwose.’