Acts 13:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Johane wakati opedzisa ɓasa rake, akati: Munoti, ndini aniko? Handizi iye. Asi tarirai, shure kwaŋgu mumŋe unoʋuya, wandisakafanira kuti ndisunuŋgure shaŋgu dzetsoka dzake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Johani paakanga ava kupedzisa basa rake, akati, ‘Munofunga kuti ndini ani? Handizi iye uya. Kwete, asi iye ari kuuya shure kwangu, ndiye wandisingakodzeri kusunungura shangu dzake.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Johani paakanga ava kupedza basa rake akati, ‘Munofunga kuti ndini ani? Handisini iye. Kwete, asi mushure mangu muri kuuya mumwe, wandisingakodzeri kubvisa shangu patsoka dzake.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Johani akati opedzisa basa rake, akati, ‘Munoti, ndini aniko? Handizi iye. Asi tarirai, shure kwangu mumwe anouya, wandisakafanira kuti ndisunungure shangu dzetsoka dzake.’
Shona 2009?
Zvino Johwani wakati opedzisa basa rake, akati: Munoti, ndini aniko? Handizi iye. Asi tarirai, shure kwangu mumwe unovuya, wandisakafanira kuti ndisunungure shangu dzetsoka dzake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Johani akati opedzisa basa rake, akati, ‘Munoti, ndini aniko? Handizi iye. Asi tarirai, shure kwangu mumwe anouya, wandisakafanira kuti ndisunungure shangu dzetsoka dzake.’