Acts 13:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋaigara Jerusarema naʋaɓati ʋaʋo, ɀaʋakaŋga ʋasiŋgamuziʋi iye, kana manzwi aʋaprofita, anorabga saɓata rimŋe nerimŋe, ʋaka a zadzisa paku mu pa mhaka kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu veJerusarema navatongi vavo havana kuziva Jesu, asi pakumupa mhaka kwavo vakazadzisa mashoko avaprofita anoverengwa Sabata rimwe nerimwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuna vavo vanogara muJerusaremu navatongi vavo, vakazadzisa izvozvi nokumupa mhosva pamusana pokuti havana kumuziva kana kunzwisisa zvaitaurwa navaporofita zvinoverengwa paSabata roga roga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti vaigara Jerusaremu navabati vavo, zvavakanga vasingamuzivi iye, kana mazwi avaporofita, anorawa Sabata rimwe nerimwe, vakaazadzisa pakumupa mhaka kwavo.
Shona 2009?
Nokuti vaigara Jerusarema navabati vavo, zvavakanga vasingamuzivi iye, kana manzwi avaporofita, anorabwa sabata rimwe nerimwe vakaazadzisa pakumupa mhaka kwavo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti vaigara Jerusaremu navabati vavo, zvavakanga vasingamuzivi iye, kana mazwi avaporofita, anorawa Sabata rimwe nerimwe, vakaazadzisa pakumupa mhaka kwavo.