Acts 13:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kuti Mŋari wakaciita kuʋana ʋeɗu, acimutsa Jesu; seɀakanyorwa ʋo paPisarema recipiri, panoti: Ndiwe Mŋanakomana waŋgu, nhasi ndakakuɓereka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
akazvizadzisa kwatiri isu, vana vavo, nokumutsa Jesu kuvakafa. Sezvazvakanyorwa muPisarema rechipiri zvichinzi: “ ‘Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
izvi akazvizadzisa kwatiri isu vana vavo nokumutsa kwaakaita Jesu sokunyorwawo kwazvakaitwa murwiyo rwechipiri zvichinzi, “ ‘Iwe ndiwe mwanakomana wangu nhasi ndakubereka.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kuti Mwari wakachiita kuvana vedu, achimutsa Jesu; sezvakanyorwawo paPisarema rechipiri, panoti, ‘Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakakubereka.’
Shona 2009?
Kuti Mwari wakachizadzisa kwatiri isu vana vavo pakuti wakasimudzazve Jesu sezvazvakanyorwa mupisarema rechipiri ndiwe mwanakomana wangu nhasi ndakubereka.
Shona SUB 2002 Bible
Kuti Mwari akachiita kuvana vedu, achimutsa Jesu; sezvakanyorwawo paPisarema rechipiri, panoti, ‘Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakakubereka.’