Acts 13:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Davidi wakati aita kuɗa kwaMŋari parudzi rwake, akaʋata rufu, akaʋigwa kunamadziɓaɓa ake, akaʋona kuʋora.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari pamazuva ake, akavata; akavigwa namadzibaba ake uye muviri wake wakaora.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti Dhavhidhi paakapedza kuita zvaakanga atarirwa naMwari kuti aite muchizvarwa chake akafa akandovigwa pamwechete namadzitateguru ake akaora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari parudzi rwake, akavata rufu, akavigwa kuna madzibaba ake, akaona kuora.
Shona 2009?
Nokuti Dhavhidhi wakati aita kuda kwaMwari parudzi rwake, akavata rufu, akavigwa kunamadzibaba ake, akavona kuvora.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari parudzi rwake, akavata rufu, akavigwa kuna madzibaba ake, akaona kuora.