Acts 13:43 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋe sinagoge ʋakati ʋapararira, ʋaJuda ʋazhinji naʋaproserite ʋainamata Mŋari, ʋakateʋera Pauro naBarnabasi; iʋo ʋakataurirana naʋo, ʋakaʋaraira kuti ʋarambire panyasha dzaMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ungano yakati yapararira, vazhinji vavaJudha navamwe vakanga vatendeukira kuchiJudha vakatevera Pauro naBhanabhasi, ivo vakataura navo uye vakavakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakapera musangano wapasinagogu, vaJudha vazhinji navanamati vaMwari vakanga vapindukira kuchiJudha, vakatevera Pauro naBhanabhasi vakataura kwavari vachivakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vesinagoge vakati vapararira, vaJudha vazhinji navapanduki vainamata Mwari, vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataurirana navo, vakavarayira kuti varambire panyasha dzaMwari.
Shona 2009?
Zvino vesinagoge vakati vapararira, vaJudha vazhinji navaproserite vainamata Mwari, vakatevera Pauro naBharnabhasi; ivo vakataurirana navo, vakavaraira kuti varambire panyasha dzaMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vesinagoge vakati vapararira, vaJudha vazhinji navapanduki vainamata Mwari, vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataurirana navo, vakavarayira kuti varambire panyasha dzaMwari.