Acts 13:46 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Pauro naBarnabasi ʋakataura ʋasiŋgatyi, ʋakati: Ɀakaŋga ɀakafanira kuti shoko raMŋari ritaŋge kutaurirwa imi, asi ɀamariramba, muciti, hamufanirwi noʋupenyu bgusiŋgaperi, tarirai, ɀino toenda kuʋahedeni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Pauro naBhanabhasi vakavapindura vasingatyi vakati, “Zvanga zvakafanira kuti titaure shoko raMwari kwamuri imi kutanga. Sezvo mariramba uye mukasazviona savanhu vakafanira upenyu husingaperi, tava kuenda zvino kuvaHedheni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pauro naBhanabhasi vakataura nokushinga vachiti, “Shoko raMwari raifanira kutanga rataurirwa kwamuri. Zvino zvamariramba mukaona kuti hamukodzeri upenyu usingaperi, chinzwai, isu tava kuenda kune vechirudzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Pauro naBhanabhasi vakataura vasingatyi vakati, “Zvakanga zvakafanira kuti shoko raMwari ritange kutaurirwa imi, asi zvamariramba, muchiti, hamufanirwi noupenyu husingaperi, tarirai, zvino toenda kuvahedheni.
Shona 2009?
Ipapo Pauro, naBharnabhasi vakataura vasingatyi, vakati: Zvakanga zvakafanira kuti shoko raMwari ritange kutaurirwa imi, asi zvamariramba, muchiti, hamufanirwi novupenyu bwusingaperi, tarirai, zvino toenda kuvahedheni.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Pauro naBhanabhasi vakataura vasingatyi vakati, “Zvakanga zvakafanira kuti shoko raMwari ritange kutaurirwa imi, asi zvamariramba, muchiti, hamufanirwi noupenyu husingaperi, tarirai, zvino toenda kuvahedheni.