Acts 13:47 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Ishe wakatiraira saiɀoɀo, aciti: Ndakakuisa kuti uʋe ciedza caʋahedeni, Kuti uʋe ruponeso kuȿikira kumugumo wenyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti izvi ndizvo zvakarayirwa kwatiri naShe achiti: “ ‘Ndakakuitai chiedza kuvaHedheni, kuti muvigire migumo yenyika ruponeso.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndizvo zvatakaudzwa naTenzi kuti tinofanira kuita paakati, “ ‘Inga ndakaita kuti uve chiedza kune vechirudzi kuti ruponeso rwangu rusvike kwakaperera nyika chaiko.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Ishe wakatirayira saizvozvo, achiti, ‘Ndakakuisa kuti uve chiedza chavahedheni, Kuti uve ruponeso kusvikira kumugumo wenyika.’ ”
Shona 2009?
Nokuti Ishe wakatiraira saizvozvo, achiti: Ndakakuisa kuti uve chiedza chavahedheni, Kuti uve ruponeso kusvikira kumugumo wenyika.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Ishe wakatirayira saizvozvo, achiti, ‘Ndakakuisa kuti uve chiedza chavahedheni, Kuti uve ruponeso kusvikira kumugumo wenyika.’ ”