Acts 13:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati ʋagura ciwi cose kuȿikira paPafosi, ʋakawana imŋe ŋaŋga, waiʋa muprofita wenhema, muJuda, zita rake rainzi Bari‐Jesu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakafamba nomuchiwi chose kudzamara vasvika kuPafosi. Vakasangana neimwe n'anga yechiJudha ikoko, uye akanga ari muprofita wenhema ainzi Bhari Jesu,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakafamba nechitsuwa ichocho chose kusvika kuPafosi, vakasvika panomumwe munhu wamashiripiti, muporofita wechiJudha wenhema ainzi Bha Jesu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati vagura chivi chose kusvikira paPafosi, vakawana imwe n'anga, aiva muporofita wenhema, muJudha, zita rake rainzi BhariJesu.
Shona 2009?
Vakati vagura chiwi chose kusvikira paPafosi, vakawana imwe n'anga, waiva muporofita wenhema, muJudha, zita rake rainzi Bari-Jesu.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati vagura chivi chose kusvikira paPafosi, vakawana mumwe munhu wamashiripiti, aiva muporofita wenhema, muJudha, zita rake rainzi BhariJesu.