Acts 14:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino paIkonio ʋakapinda kamŋe ʋose musinagoge raʋaJuda, ʋakataura nokuɗaro kuti ʋazhinji‐zhinji ʋaʋaJuda naʋaGiriki ʋakatenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
PaIkoniamu Pauro naBhanabhasi vakasvikopinda musinagoge ravaJudha sezvavaisiita nguva dzose. Imomo vakataura zvinobata mwoyo kwazvo zvokuti vaJudha vazhinji navaHedheni vakatenda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
KuIkoniumu vakapinda vose pamwechete musinagogu yavaJudha vakataura zvokuti boka guru ravaJudha navaGiriki rakatenda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino paIkonio vakapinda kamwe vose musinagoge ravaJudha, vakataura nokudaro kuti vazhinjizhinji vavaJudha navaGiriki vakatenda.
Shona 2009?
Zvino paIkonio vakapinda pamwechete vose musinagoge ravaJudha, vakataura nokudaro kuti vazhinji-zhinji vavaJudha navaGiriki vakatenda.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino paIkoniumu vakapinda kamwe vose musinagoge ravaJudha, vakataura nokudaro kuti vazhinji zhinji vavaJudha navaGiriki vakatenda.