Acts 14:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi haana‐kurega kuɀipupurira, aciita ɀakanaka, acikupai mvura yokuɗeŋga, neŋguʋa dzeɀiyo ɀizhinji, acizadza mŋoyo yenyu neɀokudya nomufaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi haana kusiya pasina zvingamupupurira: Akakuitirai tsitsi nokukupai mvura inobva kudenga nezvirimwa nenguva yazvo; akakupai zvokudya zvakawanda uye akazadza mwoyo yenyu nomufaro.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakadaro zvazvo haana kukusiyai musina zvinoratidza zvokuvapo kwake munezvinhu zvakanaka zvaanokuitirai. Anokutumirai mvura inobva kudenga, nemwaka yamaguta achikugutsai mwoyo nezvokudya nokufara.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi haana kurega kuzvipupurira, achiita zvakanaka, achikupai mvura yokudenga, nenguva yezviyo zvizhinji, achizadza mwoyo yenyu nezvokudya nomufaro.”
Shona 2009?
Asi haana kurega kuzvipupurira, achiita zvakanaka, achikupai mvura yokudenga, nenguva dzezviyo zvizhinji, achizadza moyo yenyu nezvokudya nomufaro.
Shona SUB 2002 Bible
Asi haana kurega kuzvipupurira, achiita zvakanaka, achikupai mvura yokudenga, nenguva yezviyo zvizhinji, achizadza mwoyo yenyu nezvokudya nomufaro.”