Acts 14:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋadzidzi ʋakati ʋamukomba, iye akasimuka, akapinda muguta. Fume maŋgwana akaenda Derbe naBarnabasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi shure kwokunge vadzidzi vaungana vakamukomba, akamuka akadzokera muguta zvakare. Zuva rakatevera akaenda naBhanabhasi kuDhebhe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vadzidzi pavakaungana paari, akasimuka akapinda muguta. Mangwana acho akaenda naBhanabhasi kuDhebhe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vadzidzi vakati vamukomba iye akasimuka, akapinda muguta. Fume mangwana akaenda Dhebhe naBhanabhasi.
Shona 2009?
Asi vadzidzi vakati vamukomba, iye akasimuka, akapinda muguta. Fume mangwana akaenda Dhebhe naBharnabhasi.
Shona SUB 2002 Bible
Asi vadzidzi vakati vamukomba iye akasimuka, akapinda muguta. Fume mangwana akaenda Dhebhe naBhanabhasi.