Acts 14:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋacisimbisa mŋeya yaʋadzidzi, ʋaciʋaraira kuti ʋatsuŋgirire pakutenda, ʋaciti, tinofanira kupinda ʋushe bgaMŋari namaɗambudziko mazhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
vachisimbisa vadzidzi nokuvakurudzira kuti varambe vari pakutenda. Vakati, “Tinofanira kutambudzika kuti tipinde muumambo hwaMwari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
vachisimbisa vadzidzi vachivakurudzira kuenderera mberi nechitendero. Vaiti, kuti tipinde muumambo hwaMwari tinofanira kutopindamo nomumatambudziko akawanda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vachisimbisa mweya yavadzidzi, vachivarayira kuti vatsungirire pakutenda, vachiti, “Tinofanira kupinda ushe hwaMwari namadambudziko mazhinji.”
Shona 2009?
vachisimbisa mweya yavadzidzi, vachivaraira kuti vatsungirire pakutenda, vachiti, tinofanira kupinda vushe bwaMwari namatambudziko mazhinji.
Shona SUB 2002 Bible
vachisimbisa mweya yavadzidzi, vachivarayira kuti vatsungirire pakutenda, vachiti, “Tinofanira kupinda ushe hwaMwari namatambudziko mazhinji.”