Acts 14:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati ʋaȿika, ʋakaʋuŋganidza kereke, ʋakarondedzera ɀose ɀakaŋga ɀaitwa naMŋari naʋo, ʋuye kuti wakaŋga azarurira ʋahedeni mukoʋa wokutenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vasvika ikoko, vakaunganidza kereke pamwe chete vakavarondedzera zvose zvakanga zvaitwa naMwari kubudikidza navo uye kuti akanga avazarurira sei mukova wokutenda kuvaHedheni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakasvika vakaunganidza sangano vakataura zvose zvakaitwa naMwari achivashandisa uye kuti Mwari akanga azarura sei musuo wechitendero kune vechirudzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati vasvika, vakaunganidza kereke, vakarondedzera zvose zvakanga zvaitwa naMwari navo, uye kuti akanga azarurira vahedheni musuo wokutenda.
Shona 2009?
Vakati vasvika, vakavunganidza kereke, vakarondedzera zvose zvakanga zvaitwa naMwari navo, uye kuti wakanga azarurira vahedheni mukova wokutenda.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati vasvika, vakaunganidza Chechi, vakarondedzera zvose zvakanga zvaitwa naMwari navo, uye kuti akanga azarurira vahedheni musuwo wokutenda.