Acts 14:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino paRistra paigara mumŋe murume wakaŋga asinesimba patsoka dzake, cirema kubva paɗumbu ramai ʋake, asina‐kutoŋgofamba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
MuRistira maigara mumwe murume akanga ari mhetamakumbo, akanga ari chirema kubva pakuberekwa kwake uye akanga asina kumbofamba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
KuRisitira kwaiva nomumwe murume aingogara asingakwanisi kufamba namakumbo ake. Akanga ari mhetamakumbo chizvarirwo chake, asina kana kutombofamba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino paRisitira paigara mumwe murume akanga asina simba patsoka dzake, chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba.
Shona 2009?
Zvino paRistra paigara mumwe murume wakanga asinesimba patsoka dzake, chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino paRisitira paigara mumwe murume akanga asina simba patsoka dzake, chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba.