Acts 15:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Pauro naBarnabasi ʋakapesana kwaɀo naʋo, nokuita nharo naʋo, ʋakazotenderana kuti Pauro naBarnabasi naʋamŋe ʋaʋo ʋakwire Jerusarema kuʋaapostora naʋakuru pamsoro peshoko iri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Izvi zvakasvitsa Pauro naBhanabhasi pakupesana kukuru uye nokukakavadzana navo. Saka Pauro naBhanabhasi vakasarudzwa kuti vaende kuJerusarema pamwe chete navamwe vatendi, kuti vandoona vapostori navakuru pamusoro peshoko iri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pauro naBhanabhasi havana kuwirirana navo uye vakakavadzana navo zvikuru. Pauro naBhanabhasi navamwe vavo vakazosarudzwa kuti vaende kuJerusaremu kuna vapositori navakuru vakuru nezvenyaya iyi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Pauro naBhanabhasi vakapesana kwazvo navo, nokuita nharo navo, vakazotenderana kuti Pauro naBhanabhasi navamwe vavo vakwire Jerusaremu kuvapostori navakuru pamusoro peshoko iri.
Shona 2009?
Asi Pauro naBharnabhasi vakapesana kwazvo navo, nokuita nharo navo, vakazotenderana kuti Pauro naBharnabhasi navamwe vavo vakwire Jerusarema kuvapositora navakuru pamusoro peshoko iri.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Pauro naBhanabhasi vakapesana kwazvo navo, nokuita nharo navo, vakazotenderana kuti Pauro naBhanabhasi navamwe vavo vakwire Jerusaremu kuvapostori navakuru pamusoro peshoko iri.