Acts 15:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋaapostora, naʋakuru, nekereke yose, ʋakati ɀakanaka kuti ʋasanaŋgure ʋarume pakati paʋo, ʋaʋatumire Antiokia pamŋe cete naPauro naBarnabasi, ʋaiti: Judasi, wainzi Barsabasi, naSirasi, ʋakuru pakati pehama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vapostori navakuru, nekereke yose, vakafunga kusarudza vamwe varume pakati pavo kuti vagovatuma kuAndioki pamwe chete naPauro naBhanabhasi. Vakasarudza Judhasi (ainzi Bhanabhasi) naSirasi, varume vaviri ava vakanga vari vatungamiri pakati pehama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakaonekwa chiri chinhu chakanaka kuvapositori navakuru vakuru nesangano rose kusarudza varume pakati pavo vokutuma kuAndiyoku naPauro naBhanabhasi. Vakatuma Judhasi anonzi Bharisabhasi naSirasi
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vapostori, navakuru, nekereke yose, vakati zvakanaka kuti vatsanangure varume pakati pavo, vavatumire Andioki pamwechete naPauro naBhanabhasi, vaiti: Judhasi ainzi Bhasabhasi, naSirasi, vakuru pakati pehama.
Shona 2009?
Ipapo vapositora, navakuru, nekereke yose, vakati zvakanaka kuti vasanangure varume pakati pavo, vavatumire Antiokia pamwe chete naPauro naBharnabhasi, naSirasi, vakuru pakati pehama.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vapostori, navakuru, nechechi yose, vakati zvakanaka kuti vatsanangure varume pakati pavo, vavatumire Andiyoku pamwechete naPauro naBhanabhasi, vaiti: Judhasi ainzi Bhasabhasi, naSirasi, vakuru pakati pehama.