Acts 15:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀatakanzwa, kuti ʋamŋe ʋakabva kwatiri, ʋatisina‐kuraira, ʋakakukaŋganisai namashoko, ʋacidziyanisa mŋeya yenyu,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Takanzwa kuti vamwe vakabva kwatiri vasina mvumo yedu vakakanganisa pfungwa dzenyu nezvavakataura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pokuti takanzwa kuti kune vamwe vanhu vakabva kwatiri vakakunetsai namashoko vachikudzongodzai mwoyo kunyange tisina kuvatuma.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvatakanzwa, kuti vamwe vakabva kwatiri, vatisina kurayira, vakakukanganisai namashoko, vachidziyanisa mweya yenyu,
Shona 2009?
Zvatakanzwa, kuti vamwe vakabva kwatiri, vatisina kuraira, vakakukanganisai namashoko, vachidziyanisa mweya yenyu vachiti munofanira kudzingiswa nokuchengeta murairo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvatakanzwa, kuti vamwe vakabva kwatiri, vatisina kurayira, vakakukanganisai namashoko, vachidziyanisa mweya yenyu,