Acts 15:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋakaperekedzwa nekereke, ʋakagura neFenike neSamaria, ʋakataura ɀokutendeʋuka kwaʋahedeni; ʋakafadza ɀikuru hama dzose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kereke yakavatuma parwendo rwavo, uye pavakafamba vachipinda nomuFonisia nomuSamaria, vakarondedzera kuti vaHedheni vainge vachitendeuka sei. Shoko iri rakafadza hama dzose zvikuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo zvavakatumwa nesangano kuenda rwendo rwavo vakapfuura nomuFonikia nomuSamaria vachirondedzera kutendeuka kwevechirudzi. Izvi zvakafadza kwazvo vose vehama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo vakaperekedzwa nekereke, vakagura neFonikia neSamaria, vakataura zvokutendeuka kwavahedheni; vakafadza zvikuru hama dzose.
Shona 2009?
Naizvozvo vakaperekedzwa nekereke, vakagura neFenike neSamaria, vakataura zvokutendevuka kwavahedheni; vakafadza zvikuru hama dzose.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo vakaperekedzwa nechechi, vakagura neFonishia neSamaria, vakataura zvokutendeuka kwavahedheni; vakafadza zvikuru hama dzose.