Acts 15:38 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi Pauro wakati haɀina‐kunaka kumutora iye, wakamboʋasiya paPamfiria, akasaenda naʋo kuɓasa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
asi Pauro haana kuona zvakanaka kuti vaende naye, nokuti akanga ambovasiya paPamufiria uye haana kuramba ainavo pabasa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asiwo Pauro akanga achifunga kuti zvakanga zvakanaka kurega kuenda nomunhu akanga ambosiyana navo muPamufiria uye munhu akanga asina kuenda navo kubasa iroro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi Pauro akati hazvina kunaka kumutora iye, akambovasiya Pamufiria, akasaenda navo kubasa.
Shona 2009?
asi Pauro wakati hazvina kunaka kumutora iye, wakambovasiya paPamfiria, akasaenda navo kubasa.
Shona SUB 2002 Bible
asi Pauro akati hazvina kunaka kumutora iye, akambovasiya Pamufiria, akasaenda navo kubasa.