Acts 15:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋamŋe ʋedzidziso yaʋaFarise, ʋaitenda, ʋakasimuka, ʋakati, ʋanofanira kudziŋgiswa nokurairwa kuti ʋaceŋgete murairo waMosesi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vamwe vatendi vakanga vari vebato ravaFarisi vakasimuka vakati, “VaHedheni ava vanofanira kudzingiswa uye vanosungirwa kuti vateerere murayiro waMozisi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vamwe vatendi vebato ravaFarisei vakasimuka vakati, “Vanhu ava vanosungirwa kudzingiswa uye kuvaudza kuti vanofanira kuchengeta Mutemo waMosesi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vamwe vedzidziso yavaFarisi, vaitenda, vakasimuka, vakati, “Vanofanira kudzingiswa nokurayirwa kuti vachengete murayiro waMosesi.”
Shona 2009?
Asi vamwe vedzidziso yavaFarisi, vaitenda, vakasimuka, vakati, vanofanira kudzingiswa nokurairwa kuti vachengete murairo waMozisi.
Shona SUB 2002 Bible
Asi vamwe vedzidziso yavaFarisi, vaitenda, vakasimuka, vakati, “Vanofanira kudzingiswa nokurayirwa kuti vachengete murairo waMosesi.”