Acts 16:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe mukadzi, wainzi Ridia, muteŋgesi we ŋguʋo tȿuku, womusha weTiatira, wainamata Mŋari, aka ti nzwa; Ishe akazarura mŋoyo wake, kuti aterere ɀaitaurwa naPauro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe waavo vakanga vakateerera aiva mudzimai ainzi Ridhia, aiva nebasa rokutengesa nguo dzomucheka wepepuru dzaibva kuguta reTiatira, ainamata Mwari. Ishe akazarura mwoyo wake kuti agamuchire mashoko aPauro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe waavo vakatinzwa aiva mudzimai ainzi Ridhia weguta reTiatira aitengesa machira oruvara rwehute ainge ari munamati waMwari. Tenzi akazarura mwoyo wake kuti atirimuke mwoyo kune zvaitaurwa naPauro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe mukadzi, ainzi Ridhia, mutengesi wenguo tsvuku, womusha weTiatira, ainamata Mwari, akatinzwa; Ishe akazarura mwoyo wake, kuti ateerere zvaitaurwa naPauro.
Shona 2009?
Zvino mumwe mukadzi, wainzi Ridia, mutengesi wenguvo tsvuku, womusha weTiatira, wainamata Mwari, akatinzwa; Ishe akazarura moyo wake, kuti ateererae zvaitaurwa naPauro.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe mukadzi, ainzi Ridhia, mutengesi wenguo tsvuku, womusha weTiatira, ainamata Mwari, akatinzwa; Ishe akazarura mwoyo wake, kuti ateerere zvaitaurwa naPauro.