Acts 16:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati abapatidzwa, iye naʋeimba yake, akakumbira ɀikuru, aciti: Kana muciti ndakatenda kunaShe, pindai mumba maŋgu mugare. Akatitendisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati abhabhatidzwa iye neveimba yake, vakatikoka kumba kwake akati, “Kana muchiona kuti ndiri mutendi muna She, uyaiwo mugare kumba kwangu.” Uye akatikumbirisa tikatenda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakaombekwa pamwechete nemhuri yake, akatiteterera achiti, “Kana maona kuti ndakatendeka kuna Tenzi uyai kumba kwangu muzogara.” Takasvika pokutobvuma.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati abhabhatidzwa, iye naveimba yake, akakumbira zvikuru, achiti, “Kana muchiti ndakatenda kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare.” Akatitendisa.
Shona 2009?
Wakati abhabhatidzwa, iye naveimba yake, akakumbira zvikuru; achiti: Kana muchiti ndakatenda kunaShe, pindai mumba mangu mugare. Akatitendisa.
Shona SUB 2002 Bible
Akati abhabhatidzwa, iye naveimba yake, akakumbira zvikuru, achiti, “Kana muchiti ndakatenda kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare.” Akatitendisa.