Acts 16:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋamukira ʋose, ʋatoŋgi ʋakaʋabvarurira ŋguʋo dzaʋo, ʋakaraira kuti ʋarobge neshamhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ungano yakabatana pakurwisa Pauro naSirasi, uye vatongi vakarayira kuti nguo dzavo dzibvarurwe uye kuti varohwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mhomho yavanhu yakabatana navo mukuvarwisa. Vatongi vaya vakabvarura hanzu dzavo vachidzibvisa pavari. Vakati ngavarohwe neshamhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vanhu vazhinji vakavamukira vose, vatongi vakavabvarurira nguo dzavo, vakarayira kuti varohwe neshamhu.
Shona 2009?
Ipapo vanhu vazhinji vakavamukira vose, vatongi vakava bvarurira nguvo dzavo, vakaraira kuti varobwe neshamhu.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vanhu vazhinji vakavamukira vose, vatongi vakavabvarurira nguo dzavo, vakarayira kuti varohwe neshamhu.