Acts 16:37 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Pauro wakati kwaʋari: Ʋakatiroʋa pacena, isu ʋanhu ʋaRoma tisina‐kutoŋgwa, ʋakatiisa mutoroŋgo; ɀino ʋoɗokutiɓuɗisa cinyararire here? Haiwa, kwete! Ŋgaʋaʋuye ʋamene ʋatiɓuɗise.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Pauro akati kumubati, “Vakatirova pachena tisina kutongwa, kunyange zvedu tiri vaRoma, uye vakatiisa mutorongo. Uye zvino vava kuda kutiregedza chinyararire here? Kwete! Ngavauye ivo vagotibudisa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Pauro akati kwavari, “Vakatirova pazere vanhu, tisina kubatwa nemhosva, isu pamutemo, tiri vaRoma vakatiisa mujeri. Zvino vanoda kutiburitsa muchivande here?” Kwete, ngavatouya ivo pachavo vazotiburitsa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Pauro akati kwavari, “Vakatirova pachena, isu vanhu vaRoma tisina kutongwa, vakatiisa mutorongo; zvino voda kutibudisa chinyararire here? Haiwa kwete! Ngavauye vamene vatibudise.”
Shona 2009?
Asi Pauro wakati kwavari: Vakatirova pachena, isu vanhu vaRoma tisina kutongwa, vakatiisa mutirongo; zvino vodokutibudisa chinyararire here? Haiwa, kwete! Ngavavuye vamene vatibudise.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Pauro akati kwavari, “Vakatirova pachena, isu vanhu vaRoma tisina kutongwa, vakatiisa mutorongo; zvino voda kutibudisa chinyararire here? Haiwa kwete! Ngavauye vomene vatibudise.”